Exodus 16:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akati kwaʋari: Ndiɀo ɀakataurwa naJehova: Maŋgwana izuʋa rezororo, isaɓata rakatsaurirwa Jehova; gocai ɀamunoɗa kugoca, ɓikai ɀamunoɗa kuɓika; ɀose ɀasara muɀiʋige, muɀiceŋgetere maŋgwana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: ‘Mangwana izuva rokuzorora, Sabata dzvene kuna Jehovha. Saka bikai zvamunofanira kubika uye muvidze zvamunofanira kuvidza. Chengetai zvose zvinenge zvasara, mugozvichengeta kusvikira mangwanani.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akati kwavari, “Ndizvozvo wani zvakarehwa naTenzi mangwana izuva rokuzorora, iSabata rinoereserwa Tenzi. Saka nhasi uno gochai zvenyu chamunoda kugocha, mubike chamunoda kubika. Chose chinenge chasara chichengeterei mangwana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akati kwavari, “Ndizvo zvakataurwa naJehovha, ‘Mangwana izuva rezororo, iSabata rakatsaurirwa Jehovha;’ gochai zvamunoda kugocha, bikai zvamunoda kubika; zvose zvasara muzvivige, muzvichengetere mangwana.”
Shona 2009?
Mozisi akati kwavari, "Ndizvo zvakataurwa naJehovha, `Mangwana izuva rezororo, iSabata rakatsaurirwa Jehovha;' gochai zvamunoda kugocha, bikai zvamunoda kubika; zvose zvasara muzvivige, muzvichengetere mangwana."
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akati kwavari, “Ndizvo zvakataurwa naJehovha, ‘Mangwana izuva rezororo, iSabata rakatsaurirwa Jehovha;’ gochai zvamunoda kugocha, bikai zvamunoda kubika; zvose zvasara muzvivige, muzvichengetere mangwana.”