Exodus 16:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaɀiʋiga kuȿikira maŋgwana, seɀaʋakaŋga ʋarairwa naMosesi; ɀino iɀo haɀina‐kunhuwa, nehonye hadzina‐kuzoʋa’mo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vakazvichengeta kusvikira mangwanani, sezvavakarayirwa naMozisi, uye hazvina kunhuwa kana kuva namakonye mazviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakachichengeta kusvikira mangwana sezvavakanga vaudzwa naMosesi, asi hachina kufuma chakaora kana kuita honye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakazviviga kusvikira mangwana, sezvavakanga varairwa naMosesi; zvino izvo hazvina kunhuwa, nehonye hadzina kuzovamo.
Shona 2009?
Vakazviviga kusvikira mangwana, sezvavakanga varairwa naMozisi; zvino izvo hazvina kunhuwa, nehonye hadzina kuzovamo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakazviviga kusvikira mangwana, sezvavakanga varairwa naMosesi; zvino izvo hazvina kunhuwa, nehonye hadzina kuzovamo.