Exodus 16:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Munoramba kuceŋgeta mirairo yaŋgu nemirau yaŋgu kuȿikira riniko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muchasvika riniko muchiramba kuchengeta mirayiro yangu nezvandakurayira?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati kuna Mosesi, “Muchasvika riniko muchiramba kuteerera mitemo nemirao yangu?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Munoramba kuchengeta mirairo yangu nemirau yangu kusvikira riniko?
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Munoramba kuchengeta mirairo yangu nemirau yangu kusvikira rinhiko?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Munoramba kuchengeta mirairo yangu nemirau yangu kusvikira rinhiko?