Exodus 16:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, Jehova ɀaakakupai saɓata, naiɀoɀo unokupai ɀokudya ɀamazuʋa maʋiri nezuʋa retanhatu; mumŋe nomumŋe wenyu ngaagare kwaagere, kurege kuʋa’po nomunhu unoɓuɗa kwaagere nezuʋa recinomŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rangarirai kuti Jehovha akakupai Sabata; ndokusaka pazuva rechitanhantu achikupai chingwa chamazuva maviri. Munhu mumwe nomumwe anofanira kuramba agere paari ipapo pazuva rechinomwe; hakuna anobuda kunze.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inga ini Tenzi ndakakupai zuva rokuzorora saka ndichikupaiwo zvokudya zvinokwanirana namazuva maviri pazuva rechitanhatu. Musi wechinomwe, munhu wose ngaarege kubva paanenge ari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, Jehovha zvaakakupai Sabata, naizvozvo anokupai zvokudya zvamazuva maviri nezuva retanhatu; mumwe nomumwe wenyu ngaagare kwaagere, kurega kuvapo nomunhu anobuda kwaagere nezuva rechinomwe.”
Shona 2009?
Tarirai, Jehovha zvaakakupai Sabata, naizvozvo anokupai zvokudya zvamazuva maviri nezuva retanhatu; mumwe nomumwe wenyu ngaagare kwaagere, kurega kuvapo nomunhu anobuda kwaagere nezuva rechinomwe."
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, Jehovha zvaakakupai Sabata, naizvozvo anokupai zvokudya zvamazuva maviri nezuva retanhatu; mumwe nomumwe wenyu ngaagare kwaagere, kurega kuvapo nomunhu anobuda kwaagere nezuva rechinomwe.”