Exodus 16:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋeimba yaIsraeri ʋakatumidza iɀoɀo zita rinonzi Mana; cakaŋga ciri cicena setsaŋga yekorianderi; kunaka kwaɀo kwakaŋga kwakafanana neɀiŋgwa ɀakaɓikwa noʋuci.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu veIsraeri vakatumidza chingwa icho kuti mana. Chakanga chakachena semhodzi yekorianda uye chainaka sechingwa nouchi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vakatumidza chokudya ichocho zita rokuti mana. Mana iyi zvaiva zviri zvinhu zvidikidiki zvichena zvainge mhodzi yomukorianda zvichitapira sechingwa chakabikwa nouchi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino veimba yaIsiraeri vakatumidza izvozvo zita rinonzi Mana; chakanga chiri chichena setsanga yekorianderi; kunaka kwazvo kwakanga kwakafanana nezvingwa zvakabikwa nouchi.
Shona 2009?
Zvino veimba yaIsiraeri vakatumidza izvozvo zita rinonzi Mana; chakanga chiri chichena setsanga yekorianderi; kunaka kwazvo kwakanga kwakafanana nezvingwa zvakabikwa nouchi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino veimba yaIsiraeri vakatumidza izvozvo zita rinonzi Mana; chakanga chiri chichena setsanga yekorienda; kunaka kwazvo kwakanga kwakafanana nezvingwa zvakabikwa nouchi.