Exodus 16:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akati: Ndiro shoko rakarairwa naJehova: Omeri izere ŋgaiceŋgeterwe marudzi enyu, ʋaʋone ciŋgwa candakakugutsai naco murenje, ŋguʋa yandakakuɓuɗisai munyika yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha, ‘Mutore omeri yemana mugoichengetera marudzi anotevera, kuti vagoona chingwa chandakakupai kuti mudye muri murenje pandakakubudisai kubva munyika yeIjipiti.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akati, “Tenzi akatirayira kuti tichengetere zvizvarwa zvedu zvichauya mana iyi inokwana mumarita maviri zvizoona chingwa chatakapiwa naTenzi kuti tidye tichiri murenje panguva yaakatiburitsa muIjipiti.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akati, “Ndiro shoko rakarairwa naJehovha, ‘Omeri izere ngaichengeterwe marudzi enyu, vaone chingwa chandakakugutsai nacho murenje, nguva yandakakubudisai munyika yeIjipiti.’ ”
Shona 2009?
Zvino Mozisi akati, "Ndiro shoko rakarairwa naJehovha, `Omeri izere ngaichengeterwe marudzi enyu, vaone chingwa chandakakugutsai nacho murenje, nguva yandakakubudisai munyika yeIjipiti.' "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akati, “Ndiro shoko rakarairwa naJehovha, ‘Omeri izere ngaichengeterwe marudzi enyu, vaone chingwa chandakakugutsai nacho murenje, nguva yandakakubudisai munyika yeIjipiti.’ ”