Exodus 16:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akati kunaAroni: Tora hari uise’mo omeri izere nemana, uigadzike pamberi paJehova, kuti iceŋgeterwe marudzi enyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Mozisi akati kuna Aroni, “Tora mudziyo ugoisa omeri yemana imomo. Ipapo ugozviisa pamberi paJehovha kuti zvichengeterwe marudzi anotevera.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akataurira Aroni achiti, “Tora hari uisemo mana iyi inokwana mumarita maviri uigadzike pana Tenzi muichengete pazvizvarwa nezvizvarwa zvenyu zvose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akati kuna Aroni, “Tora hari uisemo omeri izere nemana, uigadzike pamberi paJehovha, kuti ichengeterwe marudzi enyu.”
Shona 2009?
Zvino Mozisi akati kuna Aroni, "Tora hari uisemo omeri izere nemana, uigadzike pamberi paJehovha, kuti ichengeterwe marudzi enyu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akati kuna Aroni, “Tora hari uisemo omeri izere nemana, uigadzike pamberi paJehovha, kuti ichengeterwe marudzi enyu.”