Exodus 16:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tarira, ndicakunisirai ciŋgwa cinobva kuɗeŋga; ʋanhu ʋacafanira kuɓuɗa kundoɀiʋuŋganidzira ciyero cinoriŋgana zuʋa rimŋe nerimŋe, ndiʋaidze ndiʋone kana ʋaciɗa kuterera murairo waŋgu, kana kwete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichakunayisirai chingwa chichabva kudenga. Vanhu vanofanira kubuda zuva rimwe nerimwe uye vaunganidze zvinoringana nezuva iroro. Nenzira iyoyi ndichavaedza ndigoona kana vachitevera zvandinovarayira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi ndokuti kuna Mosesi, “Ndichakunayisirai chingwa chinobva kudenga. Zuva nezuva vanhu vose ngavabude vanonge chingwa chinovakwanira kudya pazuva iroro chete. Ndipo pandichaona kuti vaIsiraeri vanoteerera mutemo wangu here kana kuti kwete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, ndichakunisirai chingwa chinobva kudenga; vanhu vachafanira kubuda kundozviunganidzira chiyero chinoringana nezuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndione kana vachida kuteerera murayiro wangu, kana kwete.
Shona 2009?
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Tarira, ndichakunisirai chingwa chinobva kudenga; vanhu vachafanira kubuda kundozviunganidzira chiyero chinoringana nezuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndione kana vachida kuteerera murayiro wangu, kana kwete.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, ndichakunisirai chingwa chinobva kudenga; vanhu vachafanira kubuda kunozviunganidzira chiyero chinoringana nezuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndione kana vachida kuteerera murairo wangu, kana kwete.