Exodus 16:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi naAroni ʋakati kuʋana ʋaIsraeri ʋose: Maɗekwana mucaziʋa kuti Jehova ndiye wakakuɓuɗisai panyika yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Mozisi naAroni vakati kuvaIsraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti akanga ari Jehovha akakubudisai kubva muIjipiti,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi naAroni vakaudza vaIsiraeri vose vachiti, “Nhasi manheru muchaziva kuti Tenzi ndiye akakuburitsai muIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi naAroni vakati kuvana vaIsiraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti Jehovha ndiye akakubudisai panyika yeIjipiti.
Shona 2009?
Zvino Mozisi naAroni vakati kuvana vaIsiraeri vose, "Madekwana muchaziva kuti Jehovha ndiye akakubudisai panyika yeIjipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi naAroni vakati kuvana VaIsiraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti Jehovha ndiye akakubudisai panyika yeIjipiti.