Exodus 16:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akati kunaAroni: Ʋudza ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, uti: Sweɗerai pamberi paJehova, nokuti wakanzwa kupopota kwenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yaIsraeri kuti, ‘Uyai pamberi paJehovha, nokuti anzwa kupopota kwenyu.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akati kuna Aroni, “Kokorodza gungano rose ravaIsiraeri, uti, ‘Uyai pedyo naTenzi nokuti kumunyunyutira kwamakaita akakunzwa.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yavana vaIsiraeri, uti, ‘Swederai pamberi paJehovha, nokuti akanzwa kupopota kwenyu.’ ”
Shona 2009?
Mozisi akati kuna Aroni, "Udza ungano yose yavana vaIsiraeri, uti, `Swederai pamberi paJehovha, nokuti akanzwa kupopota kwenyu.' "
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yavana VaIsiraeri, uti, ‘Swederai pamberi paJehovha, nokuti akanzwa kupopota kwenyu.’ ”