Exodus 17:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakabva murenje reSini, ʋakafamba ʋaciita nzendonzendo, seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ʋakaʋaka misasa yaʋo paRefidimi; ɀino ipapo pakaŋga pasinemvura iŋganwiwa naʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paRenje reSini, vachifamba nzvimbo nenzvimbo sokurayira kwaJehovha. Vakadzika musasa paRefidhimi, asi pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gungano rose ravaIsiraeri rakasimudzira rwendo rwaro kubva muRenje reSini vakafamba vachiti apa garei vosimudzira, apa garei vosimudzira sezvainge zvataurwa naTenzi. Vakazondodzika matendhe avo paRefidhimu. Asi pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva murenje reSini, vakafamba vachiita nzendo nzendo, sezvavakanga varairwa naJehovha, vakavaka misasa yavo paRefidhimu; zvino ipapo pakanga pasina mvura inganwiwa navanhu.
Shona 2009?
Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva murenje reSini, vakafamba vachiita nzendo nzendo, sezvavakanga varairwa naJehovha, vakavaka misasa yavo paRefidhimu; zvino ipapo pakanga pasina mvura ingamwiwa navanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ungano yose yavana VaIsiraeri yakabva murenje reSini, vakafamba vachibva kune imwe nzvimbo vachienda kune imwe, sezvavakanga varairwa naJehovha, vakavaka misasa yavo paRefidhimu; zvino ipapo pakanga pasina mvura inganwiwa navanhu.