Exodus 17:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi maʋoko aMosesi akazoneta, ɀino ʋakatora ibge, ʋakariisa pasi pake, akagara pamsoro paro, Aroni naHuri ʋakatsigira maʋoko ake, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, mumŋe kunorumŋe rutiʋi; maʋoko ake akaʋa nesimba kuȿikira pakuʋira kwezuʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Maoko aMozisi akati aneta, vakatora dombo ndokuriisa pasi pake iye akagara pamusoro paro. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakamutsigira, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi, kuitira kuti maoko ake arambe akatsiga kusvikira madekwena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akazoneta akatadza kuramba akasimudza maoko ake. Aroni naHuri vakakungurutsa ibwe rokuti Mosesi agare, Mosesi akagara pabwe. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakati mumwe uku mumwe uku, vakaasimudzira mudenga. Maoko ake akanga akatsigirwa kusvikira zuva radoka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi maoko aMosesi akazoneta, zvino vakatora ibwe, vakariisa pasi pake, akagara pamusoro paro, Aroni naHuri vakatsigira maoko ake, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi; maoko ake akava nesimba kusvikira pakuvira kwezuva.
Shona 2009?
Asi maoko aMozisi akazoneta, zvino vakatora ibwe, vakariisa pasi pake, akagara pamusoro paro, Aroni naHuri vakatsigira maoko ake, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi; maoko ake akava nesimba kusvikira pakuvira kwezuva.
Shona SUB 2002 Bible
Asi maoko aMosesi akazoneta, zvino vakatora ibwe, vakariisa pasi pake, akagara pamusoro paro, Aroni naHuri vakatsigira maoko ake, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi; maoko ake akava nesimba kusvikira pakuvira kwezuva.