Exodus 17:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ɀino ʋakaŋga ʋanenyota yemvura ipapo, ʋanhu ʋakapopotera Mosesi, ʋakati: Watiɓuɗisireiko Egipita, kuti utiʋuraye nenyota, isu naʋana ʋeɗu, neɀipfuwo ɀeɗu?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vanhu vakanga vane nyota yemvura ipapo, uye vakapopotedzana naMozisi. Vakati, “Seiko wakatibudisa muIjipiti kuti isu navana vedu nezvipfuwo zvedu tife nenyota?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vose vakanzwa nenyota yemvura, vakapopotera Mosesi vachiti, “Makatibvisirei kuIjipiti? Heya makatibvisira kuzotiurayisa zvenyu nenyota nhai? Saka munoda kutiurayisa nenyota isu navana vedu nezvipfuwo zvedu nhai?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu zvino vakanga vanenyota yemvura ipapo, vanhu vakapopotera Mosesi, vakati, “Wakatibudisireiko Ijipiti, kuti utiuraye nenyota, isu navana vedu, nezvipfuwo zvedu?”
Shona 2009?
Vanhu zvino vakanga vanenyota yemvura ipapo, vanhu vakapopotera Mozisi, vakati, "Wakatibudisireiko Ijipiti, kuti utiuraye nenyota, isu navana vedu, nezvipfuwo zvedu?"
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu zvino vakanga vane nyota yemvura ipapo, vanhu vakapopotera Mosesi, vakati, “Wakatibudisireiko Ijipiti, kuti utiuraye nenyota, isu navana vedu, nezvipfuwo zvedu?”