Exodus 17:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira ndicamira pamberi pako paɗombo riri paHorebi, uroʋe ɗombo iro, mvura icaɓuɗa pariri, ʋanhu ʋagonwa. Mosesi akaita saiɀoɀo pamberi paʋakuru ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichamira ipapo pamberi pako padombo riri paHorebhi. Urove dombo, uye mvura ichabuda pariri, kuti vanhu vanwe.” Saka Mozisi akaita izvi pamberi pavakuru vavaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini ndichamira mberi kwako ikoko padombo riri kuHorebhu, urove dombo iroro, mvura ibude, vanhu vanwe.” Mosesi akaita saizvozvo vakuru vakuru vevaIsiraeri vachiona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarira ndichamira pamberi pako padombo riri paHorebhu, urove dombo iro, mvura ichabuda pariri, vanhu vagonwa.” Mosesi akaita saizvozvo pamberi pavakuru vaIsiraeri.
Shona 2009?
Tarira ndichamira pamberi pako padombo riri paHorebhu, urove dombo iro, mvura ichabuda pariri, vanhu vagomwa." Mozisi akaita saizvozvo pamberi pavakuru vaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Tarira ndichamira pamberi pako padombo riri paHorebhu, urove dombo iro, mvura ichabuda pariri, vanhu vagonwa.” Mosesi akaita saizvozvo pamberi pavakuru VaIsiraeri.