Exodus 18:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jetero akati: Jehova ŋgaakudzwe wakakurwirai pamaʋoko aʋaEgipita, napamaʋoko aFarao, iye wakarwira ʋanhu pamaʋoko aʋaEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati, “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akakununura kubva muruoko rwavaIjipita norwaFaro, uye iye akanunura vanhu kubva muruoko rwavaIjipita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jetero akati, “Tenzi ngaarumbidzwe akakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko aFarao, akanunura vanhu mumaoko evaIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jeturo akati, “Jehovha ngaakudzwe akakurwirai pamaoko avaIjipiti, napamaoko aFarao, iye akarwira vanhu pamaoko avaIjipiti.
Shona 2009?
Jeturo akati, "Jehovha ngaakudzwe akakurwirai pamaoko avaIjipiti, napamaoko aFarao, iye akarwira vanhu pamaoko avaIjipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Jeturo akati, “Jehovha ngaakudzwe akakurwirai pamaoko aVaIjipiti, napamaoko aFarao, iye akarwira vanhu pamaoko aVaIjipiti.