Exodus 18:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jetero, mukarabga waMosesi, wakaʋuya kunaMŋari necipiriso cokupisa ne ɀimŋe ɀiɓayiro; Aroni naʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya ʋakadya ɀokudya nomukarabga waMosesi pamberi paMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jeturo, tezvara waMozisi, akauya nechipiriso chinopiswa nezvimwewo zvibayiro kuna Mwari, uye Aroni akauya navakuru vose veIsraeri kuti vazodya chingwa pamwe chete natezvara waMozisi pamberi paMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo vatezvara vaMosesi vaJetero vakapira Mwari chibayiro chinopiswa vakapirawo mimwe mipiro. Aroni navakuru vakuru vose vavaIsiraeri vakauya kuzodya pamwechete navatezvara vaMosesi ipapo pana Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jeturo, mukarahwa waMosesi, akauya kuna Mwari nechipiriso chokupisa nezvimwe zvibayiro; Aroni navakuru vose vaIsiraeri vakauya vakadya zvokudya nomukarahwa waMosesi pamberi paMwari.
Shona 2009?
Ipapo Jeturo, mukarahwa waMozisi, akauya kuna Mwari nechipiriso chokupisa nezvimwe zvibayiro; Aroni navakuru vose vaIsiraeri vakauya vakadya zvokudya nomukarahwa waMozisi pamberi paMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jeturo, mukarahwa waMosesi, akauya kuna Mwari nechipiriso chokupisa nezvimwe zvibairo; Aroni navakuru vose VaIsiraeri vakauya vakadya zvokudya nomukarahwa waMosesi pamberi paMwari.