Exodus 18:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukarabga waMosesi wakati aciʋona ɀose ɀaakaŋga aciitira ʋanhu, akati: Unoitireiko ʋanhu ɀinhu iɀi? Unogarireiko uri woga, ʋanhu ʋacimira pamberi pako kubva maŋgwanani kuȿikira maɗekwana?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tezvara wake akati aona zvose zvakanga zvichiitwa naMozisi kuvanhu, akati, “Chiiko ichi chauri kuitira vanhu? Seiko iwe uchitonga uri woga, asi vanhu vose ava vamire vakakupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vatezvara vaMosesi vakaona mabatiro ose aaiita vanhu, vakati, “Ko ndicho chii chauri kuitira vanhu ichochi? Pamusana pei uriwe woga woga chete wokutonga mhosva dzavanhu uchiswedza vanhu vakangokumirira padare?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mukarahwa waMosesi akati achiona zvose zvaakanga achiitira vanhu akati, “Unoitireiko vanhu zvinhu izvi? Unogarireiko uri woga, vanhu vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvikira madekwana?”
Shona 2009?
Zvino mukarahwa waMozisi akati achiona zvose zvaakanga achiitira vanhu akati, "Unoitireiko vanhu zvinhu izvi? Unogarireiko uri woga, vanhu vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvikira madekwana?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mukarahwa waMosesi akati achiona zvose zvaakanga achiitira vanhu akati, “Unoitireiko vanhu zvinhu izvi? Unogarireiko uri woga, vanhu vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvikira madekwana?”