Exodus 18:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iʋo ŋgaʋatambire ʋanhu mhaka dzaʋo ŋguʋa dzose; ɀino kana paneshoko guru, ŋgaʋariise kwauri; asi kana ari mashoko maɗuku ŋgaʋaatambe ʋamene; naiɀoɀo iwe ucarerusirwa, naiʋo ʋacatakura mutoro pamŋe cete newe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uvaite kuti vashande savatongi vavanhu panguva dzose, asi uvaite kuti vauye kwauri nenyaya dzose dzakaoma; nyaya dzakareruka ngavatonge ivo pachavo. Izvozvo zvicharerutsa mutoro wako, nokuti vanenge vachigovana newe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vatungamiriri ivavo ndivo vova vokutonga mhosva dzavanhu mazuva ose. Kana pazoita mhosva huru ndidzo dzavangauye nadzo kwauri, asi mhosva nduku dzose vachidzitonga ivo pachavo. Naizvozvo iwe ucharerukirwa nebasa nokuti vanenge votakudzana newe mutoro iwoyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ivo ngavatambire vanhu mhaka dzavo nguva dzose; zvino kana pane shoko guru, ngavariise kwauri, asi kana ari mashoko maduku ngavaatambe vamene; naizvozvo iwe ucharerusirwa, naivo vachatakura mutoro pamwechete newe.
Shona 2009?
ivo ngavatambire vanhu mhaka dzavo nguva dzose; zvino kana pane shoko guru, ngavariise kwauri, asi kana ari mashoko maduku ngavaatambe vamene; naizvozvo iwe ucharerusirwa, naivo vachatakura mutoro pamwechete newe.
Shona SUB 2002 Bible
ivo ngavatambire vanhu mhaka dzavo nguva dzose; zvino kana pane shoko guru, ngavariise kwauri, asi kana ari mashoko maduku ngavaatambe vomene; naizvozvo iwe ucharerusirwa, naivo vachatakura mutoro pamwechete newe.