Exodus 18:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jetero, mukarabga waMosesi, akaʋuya naʋanakomana ʋaMosesi nomukadzi wake kunaMosesi murenje, pagomo raMŋari, paakaŋga aʋaka misasa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jeturo, tezvara waMozisi, pamwe chete navanakomana vaMozisi nomukadzi wake, vakauya kwaari kurenje, kwaakanga akadzika musasa pedyo negomo raMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vatezvara vaMosesi, vaJetero, nomudzimai waMosesi navana vake vaviri vakaenda kurenje kwaiva naMosesi kugomo raMwari pavakanga vakadzika matendhe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jeturo mukarahwa waMosesi akauya navanakomana vaMosesi nomukadzi wake kuna Mosesi murenje, pagomo raMwari, paakanga avaka misasa;
Shona 2009?
Jeturo mukarahwa waMozisi akauya navanakomana vaMozisi nomukadzi wake kuna Mozisi murenje, pagomo raMwari, paakanga avaka misasa;
Shona SUB 2002 Bible
Jeturo mukarahwa waMosesi akauya navanakomana vaMosesi nomukadzi wake kuna Mosesi murenje, pagomo raMwari, paakanga avaka misasa;