Exodus 18:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akaʋudza mukarabga wake ɀose ɀakaŋga ɀaitira Jehova Farao naʋaEgipita nokuɗa kwaʋaIsraeri, nokutambudzika kwose kwakaʋawira panzira nokurwirwa kwaʋo naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akataurira tezvara wake zvinhu zvose zvakaitwa naJehovha kuna Faro nokuvaIjipita nokuda kwavaIsraeri, uyewo nokutambudzika kwavakasangana nako munzira, uye kuti Jehovha akavaponesa sei.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akarondedzera vatezvara vake zvose zvakanga zvaitwa naTenzi achirwadzisa Farao navaIjipiti pamusana pevaIsiraeri. Akaudzawo vatezvara vake nezvamatambudziko ose avakaona murwendo rwavo nezvakaitwa naTenzi achivanunura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akaudza mukarahwa wake zvose zvakanga zvaitira Jehovha Farao navaIjipiti nokuda kwavaIsiraeri, nokutambudzika kwose kwakavawira panzira nokurwirwa kwavo naJehovha.
Shona 2009?
Zvino Mozisi akaudza mukarahwa wake zvose zvakanga zvaitira Jehovha Farao navaIjipiti nokuda kwavaIsiraeri, nokutambudzika kose kwakavawira panzira nokurwirwa kwavo naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akaudza mukarahwa wake zvose zvakanga zvaitira Jehovha Farao naVaIjipiti nokuda kwaVaIsiraeri, nokutambudzika kwose kwakavawira panzira nokurwirwa kwavo naJehovha.