Exodus 19:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe utarire ʋanhu miganhu yakaʋapoteredza, uti kwaʋari: Cenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kuɓata jiŋga raro; aninani unoɓata gomo ucaʋurawa ɀirokwaɀo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uisire vanhu miganhu yakapoteredza gomo ugovaudza kuti, ‘Chenjerai kuti murege kukwira mugomo kana kubata mujinga maro. Ani naani achabata gomo achaurayiwa, zvirokwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iwe unofanira kutarira vanhu muganho unoripoteredza kuti varege kudarika muganho iwoyo vachikwira mugomo kana kuswedera mujinga maro. Kuwana anorigunzva anotourayiwa chete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iwe utarire vanhu miganhu yakavapoteredza, uti kwavari, ‘Chenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kubata jinga raro; ani naani anobata gomo achaurawa zvirokwazvo’;
Shona 2009?
Iwe utarire vanhu miganhu yakavapoteredza, uti kwavari, `Chenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kubata jinga raro; ani naani anobata gomo achaurawa zvirokwazvo';
Shona SUB 2002 Bible
Iwe utarire vanhu miganhu yakavapoteredza, uti kwavari, ‘Chenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kubata jinga raro; ani naani anobata gomo achaurayiwa zvirokwazvo’;