Exodus 19:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nezuʋa retatu kwoedza kutinhira kukaʋa’po pamsoro pegomo, nemheni, negore ɗema, nenzwi rehwamanda rinesimba guru; ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari pamisasa ʋakaɗeɗera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva yamangwanani yezuva rechitatu pakava nokutinhira uye nemheni, negore gobvu rakafukidza gomo, uye kurira kukuru kwehwamanda. Munhu wose aiva mumisasa akadedera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva retatu, mangwanani, mugomo makafumonzwikwa kutinhira nemheni, pagomo pakava negore rakati kwirindindi, kwakanzwikwawo kurira kukuru kwehwamanda, vanhu vose vakadedera nokutya mumatendhe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nezuva retatu kwoedza kutinhira kukavapo pamusoro pegomo, nemheni, negore dema, nezwi rehwamanda rine simba guru; vanhu vose vakanga vari pamisasa vakadedera.
Shona 2009?
Zvino nezuva retatu koedza kutinhira kukavapo pamusoro pegomo, nemheni, negore dema, nenzwi rehwamanda rine simba guru; vanhu vose vakanga vari pamisasa vakadedera.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nezuva retatu kwoedza kutinhira kukavapo pamusoro pegomo, nemheni, negore dema, nezwi rehwamanda rine simba guru; vanhu vose vakanga vari pamisasa vakadedera.