Exodus 19:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Gomo rose reSinai rakaŋga ricipfuŋgaira, nokuti Jehova wakaŋga aɓurukira pamsoro paro mumŋoto; ʋutsi bgaro ʋukakwira soʋutsi bgeʋira; gomo rose rikazunuŋguka kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gomo reSinai rakanga rakafukidzwa noutsi, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro ari mumoto. Utsi hwakapfungaira huchikwira kumusoro soutsi hwakanga huchibva pavira romoto, gomo rose rakazungunuka nesimba guru,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gomo rose reSinai rakati gude gude kufukidzwa noutsi, nokuti Tenzi akanga aburukira pamusoro paro ari mumoto. Utsi hwakati togo-o sokunge huri kubva muvira romoto. Gomo rose rakandengendeka zvikuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Gomo rose reSinai rakanga richipfungaira, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro mumoto; utsi hwaro ukakwira soutsi hwevira; gomo rose rikazununguka kwazvo.
Shona 2009?
Gomo rose reSinai rakanga richipfungaira, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro mumoto; utsi hwaro ukakwira soutsi bwevira; gomo rose rikazununguka kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Gomo rose reSinai rakanga richipfungaira, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro mumoto; utsi hwaro hukakwira soutsi hwehovhoni; gomo rose rikazununguka kwazvo.