Exodus 19:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ƃuruka, undoraira ʋanhu kuti ʋarege kupaza kunaJehova kundotarira, kuti ʋazhinji ʋaʋo ʋarege kufa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye Jehovha akati kwaari, “Buruka unoyambira vanhu kuti varege kumanikidzira kupinda kuti vandoona Jehovha vazhinji vavo vakazofa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Buruka undoyambira vanhu kuti varege kudarika muganho vachida kundiona nokuti vakangodaro vazhinji pakati pavo vangafe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Buruka, undoraira vanhu kuti varege kupaza kuna Jehovha kundotarira, kuti vazhinji vavo varege kufa.
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Buruka, undoraira vanhu kuti varege kupaza kuna Jehovha kundotarira, kuti vazhinji vavo varege kufa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Buruka, undoraira vanhu kuti varege kupfuurira kuenda kuna Jehovha kundotarira, kuti vazhinji vavo varege kufa.