Exodus 19:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akati kunaJehova: Ʋanhu haʋaŋgagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti makatiraira, muciti: Tarai miganhu pagomo, muritsaure.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akati kuna Jehovha, “Vanhu havangakwiri muGomo reSinai, nokuti imi pachenyu makatiyambira mukati, ‘Isai miganhu yakapoteredza gomo uye muritsaure kuti rive dzvene.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akapindura Tenzi achiti, “Vanhu havangagoni kukwira mugomo muno reSinai nokuti imi pachenyu makatiti tiripoteredze nomuganho, tirierese.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akati kuna Jehovha, “Vanhu havangagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti makatiraira, muchiti, ‘Tarira miganhu pagomo muritsaure.’ ”
Shona 2009?
Mozisi akati kuna Jehovha, "Vanhu havangagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti makatiraira, muchiti, `Tarirai miganhu pagomo muritsaure.' "
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akati kuna Jehovha, “Vanhu havangagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti makatiraira, muchiti, ‘Tarira miganhu pagomo muritsaure.’ ”