Exodus 19:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akati kwaari: Enda uɓuruke, mukwire ɀe, iwe naAroni, anewe; asi ʋaprista naʋanhu ŋgaʋarege kupaza kunaJehova, kuti arege kuʋaparadza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akapindura akati, “Buruka undotora Aroni ukwire naye kuno. Asi vaprista navanhu havafaniri kumanikidzira kusvika kuno kuna Jehovha, nokuti angavaparadza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akamuti, “Chiburuka undouya naAroni. Vapristi navanhu ngavarege kudarika muganho, kana kukwira kuno kwandiri. Kana vakadaro ndichavaparadza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akati kwaari, “Enda uburuke, mukwirezve, iwe naAroni, anewe; asi vapristi navanhu ngavarege kupaza kuna Jehovha, kuti arege kuvaparadza.”
Shona 2009?
Jehovha akati kwaari, "Enda uburuke, mukwirezve, iwe naAroni, anewe; asi vapiristi navanhu ngavarege kupaza kuna Jehovha, kuti arege kuvaparadza."
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akati kwaari, “Enda uburuke, mukwirezve, iwe naAroni, anewe; asi vapristi navanhu ngavarege kupfuurira kuenda kuna Jehovha, kuti arege kuvaparadza.”