Exodus 19:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akakwira kunaMŋari, Jehova ari mugomo akamuɗana, akati: Unofanira kutaura kuɗai kunaʋeimba yaJakobo, uʋudze ʋana ʋaIsraeri, uti:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akakwira kuna Mwari, uye Jehovha akadana kwaari ari mugomo akati, “Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuimba yaJakobho uye zvaunofanira kuudza vanhu veIsraeri:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akakwiramo kundosangana naMwari. Tenzi ari mugomo imomo akadaidzira kuna Mosesi achiti, “Taurira vanhu vemba yaJakobho, uudze vaIsiraeri kuti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akakwira kuna Mwari, Jehovha ari mugomo akamudana, akati, “Unofanira kutaura kudai kuna veimba yaJakobho, uudze vana Isiraeri, uti,
Shona 2009?
Zvino Mozisi akakwira kuna Mwari, Jehovha ari mugomo akamudana, akati, "Unofanira kutaura kudai kuna veimba yaJakobho, uudze vana vaIsiraeri, uti,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akakwira kuna Mwari, Jehovha ari mugomo akamudana, akati, “Unofanira kutaura kudai kuna veimba yaJakobho, uudze vana Isiraeri, uti,