Exodus 19:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Makaʋona ɀandakaitira ʋaEgipita, ʋuye kuti ndakakutakurai imi pamapapiro egondo, ndikakuȿitsai kwandiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Iwe pachako wakaona zvandakaita kuIjipiti, uye kuti ndakakutakurai sei pamapapiro egondo ndikakusvitsai kwandiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
‘Makaonaka zvandakaita kuvaIjipiti, mukaonawo matakuriro andakakuitai segondo riri kubhururuka rine charakatakura ndichikuunzai kwandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Makaona zvandakaitira vaIjipiti, uye kuti ndakakutakurai imi pamapapiro egondo, ndikakusvitsai kwandiri.
Shona 2009?
‘Makaona zvandakaitira vaIjipiti, uye kuti ndakakutakurai imwi pamapapiro egondo, ndikakusvitsai kwandiri.
Shona SUB 2002 Bible
‘Makaona zvandakaitira VaIjipiti, uye kuti ndakakutakurai imi pamapapiro egondo, ndikakusvitsai kwandiri.