Exodus 19:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino kana mukaterera inzwi raŋgu nomŋoyo wose, mukaceŋgeta suŋgano yaŋgu, mucaʋa fuma yaŋgu caiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyaŋgu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kana muchinditeerera nomwoyo wose uye mukachengeta sungano yangu, ipapo muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose. Kunyange hazvo nyika yose iri yangu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino mukanditeerera nomwoyo wose, muchichengeta chitenderano changu, pamarudzi ose muchava soupfumi hunokosha kwazvo kwandiri, nokuti pasi pose ndepangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino kana mukateerera izwi rangu nomwoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu;
Shona 2009?
Naizvozvo zvino kana mukateerera inzwi rangu nomoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava fuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu;
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino kana mukateerera izwi rangu nomwoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu;