Exodus 19:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tarira ndinoʋuya kwauri mugore gobvu, kuti ʋanhu ʋanzwe kana ndicitaura newe, ʋagotenda misi yose. Mosesi akaʋudza Jehova mashoko aʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndiri kuzouya kwauri ndiri mugore gobvu, kuitira kuti vanhu vagondinzwa ndichitaura newe uye vagoramba vachivimba newe.” Ipapo Mozisi akaudza Jehovha zvakanga zvarehwa navanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akaudza Mosesi kuti, “Ndichauya kwamuri ndiri mugore rakasviba kuti ndindo-o, kuitira kuti vanhu vandinzwe ndichitaura newe, naizvozvo vachazogara vachiti rawareva ndiroro.” Mosesi akandoudza Tenzi zvakanga zvataurwa navanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira ndinouya kwauri mugore gobvu, kuti vanhu vanzwe kana ndichitaura newe, vagotenda misi yose.” Mosesi akaudza Jehovha mashoko avanhu.
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tarira ndinouya kwauri mugore gobvu, kuti vanhu vanzwe kana ndichitaura newe, vagotenda misi yose." Mozisi akaudza Jehovha mashoko avanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira ndinouya kwauri mugore gobvu, kuti vanhu vanzwe kana ndichitaura newe, vagotenda misi yose.” Mosesi akaudza Jehovha mashoko avanhu.