Exodus 2:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino namazuʋa iwayo Mosesi akura, akaenda kundoʋona hama dzake, akandotarira mirimo yaʋo; akaʋona muEgipita aciroʋa muHeberu, mumŋe wehama dzake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rimwe zuva Mozisi akura, akaenda kwakanga kuna vanhu vokwake uye akavatarira vari pabasa ravo rakaoma. Akaona muIjipita achirova muHebheru, mumwe wavanhu vokwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rimwe zuva, Mosesi akura, zvakaitika kuti akaenda kundoona vanhu verudzi rwake vaHebheru. Akaona mabasa anorema avaiitiswa, akaonawo muIjipiti achirova muHebheru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino namazuva iwayo Mosesi akura, akaenda kundoona hama dzake, akandotarira mirimo yavo; akaona muIjipiti achirova muHebheru, mumwe wehama dzake.
Shona 2009?
Zvino namazuva iwayo Mozisi akura, akaenda kundoona hama dzake, akandotarira mirimo yavo; akaona muIjipiti achirova muHebheru, mumwe wehama dzake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino namazuva iwayo Mosesi akura, akaenda kunoona hama dzake, akandotarira mabasa avo; akaona muIjipiti achirova muHebheru, mumwe wehama dzake.