Exodus 2:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati: Ndianiko wakakuita ishe nomutoŋgi weɗu? Unoɗa kundiʋuraya ini seɀawakaʋuraya uya muEgipita kanhi? Mosesi akatya, akati: Ɀirokwaɀo, cinhu ici cazikanwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murume uya akati, “Ndianiko akakuita mubati nomutongi pamusoro pedu? Uri kuda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipita nhai?” Ipapo Mozisi akatya akafunga akati, “Zvandakaita zvinofanira kuva zvava kuzivikanwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Murume iyeyo akati, “Ndiani akakuita ishe nomutongi wedu iwe? Heya unoda kundiuraya sezvawakaita muIjipiti uya nhai!” Mosesi akatya akati, “Inga zvandakaita zviya zvava kutozikanwa!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, “Ndianiko akakuita ishe nomutongi wedu? Unoda kundiuraya ini sezvawakauraya uya muIjipiti kani?” Mosesi akatya, akati, “Zvirokwazvo, chinhu ichi chazikanwa.”
Shona 2009?
Iye akati, "Ndianiko akakuita ishe nomutongi wedu? Unoda kundiuraya ini sezvawakauraya uya muIjipiti kanhi?" Mozisi akatya, akati, "Zvirokwazvo, chinhu ichi chazikamwa."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, “Ndianiko akakuita ishe nomutongi wedu? Unoda kundiuraya ini sezvawakauraya uya muIjipiti kani?” Mosesi akatya, akati, “Zvirokwazvo, chinhu ichi chazikanwa.”