Exodus 2:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muprista weMidiani wakaŋga anaʋakunda ʋanomŋe; iʋo ʋakaʋuya kuzocera mvura, ʋakazadza ɀinwiro, kuti ʋanwise makwai aɓaɓa ʋaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino muprista weMidhiani akanga ana vanasikana vanomwe uye vakauya kuzochera mvura yokuti vazadze midziyo yainwira zvipfuwo zvababa vavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino muMidhiani maiva nomupristi, akanga ana vana vake vasikana vanomwe. Vasikana ivava vakauya vakateka mvura vakaizadza mainwira zvipfuwo kuitira kuti zvinwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mupristi weMidhiani akanga ana vakunda vanomwe; ivo vakauya kuzochera mvura, vakazadza zvinwiro, kuti vanwise makwai ababa vavo.
Shona 2009?
Zvino muprista weMidhiani akanga ana vakunda vanomwe; ivo vakauya kuzochera mvura, vakazadza zvimwiro, kuti vamwise makwai ababa vavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mupristi weMidhiani akanga ana vakunda vanomwe; ivo vakauya kuzochera mvura, vakazadza zvinwiro, kuti vanwise makwai ababa vavo.