Exodus 2:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati: MuEgipita wakatirwira pamaʋoko aʋafudzi, akaticerera mvura, akanwisa makwai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakapindura vakati, “Tanunurwa nomuIjipita kubva kuvafudzi. Abva aticherera mvura uye akanwisa zvipfuwo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakati, “Tanunurwawo nomumwe muIjipiti, adzinga vafudzi. Atotitekerawo mvura akapa zvipfuwo zvedu kuti zvinwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati, “MuIjipiti akatirwira pamaoko avafudzi, akaticherera mvura, akanwisa makwai.”
Shona 2009?
Vakati, "MuIjipiti akatirwira pamaoko avafudzi, akaticherera mvura, akamwisa makwai."
Shona SUB 2002 Bible
Vakati, “MuIjipiti akatirwira pamaoko avafudzi, akaticherera mvura, akanwisa makwai.”