Exodus 2:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mazuʋa mazhinji akati apfuʋura, mambo weEgipita akafa; ʋana ʋaIsraeri ʋakagomera nokuɗa kwoʋuranda bgaʋo, ʋakaɗanidzira, kuɗanidzira kwaʋo kukaȿika kunaMŋari nokuɗa kwoʋuranda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino makore mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa. VaIsraeri vakagomera muutapwa hwavo uye vakachema, kuchemera rubatsiro rwavo nokuda kwoutapwa hwavo kukakwira kuna Mwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokufamba kwamazuva mambo weIjipiti akafa. VaIsiraeri vakaramba vachidandaura nenhamo youranda. Vakachema vachida kununurwa. Kuchema kwavo nhamo youranda kwakasvika kudenga kuna Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa, vana vaIsiraeri vakagomera nokuda kwouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kwouranda.
Shona 2009?
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa, vana vaIsiraeri vakagomera nokuda kouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kouranda.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa, vana VaIsiraeri vakagomera nokuda kwouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kwouranda.