Exodus 2:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mukunda waFarao akati kwaari: Enda. Musikana akaenda, akandoɗana mai ʋomŋana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye mwanasikana waFaro akapindura akati, “Hongu.” Uye musikana akaenda akandotora mai vomwana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukunda waFarao akati, “Ee, enda zvako.” Musikana uyu akaenda akandodaidza amai chaivo vomwana iyeyo vokumubereka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mukunda waFarao akati kwaari, “Enda.” Musikana akaenda, akandodana mai vomwana.
Shona 2009?
Mukunda waFarao akati kwaari, "Enda." Musikana akaenda, akandodana mai vomwana.
Shona SUB 2002 Bible
Mukunda waFarao akati kwaari, “Enda.” Musikana akaenda, akandodana mai vomwana.