Exodus 20:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi zuʋa recinomŋe isaɓata raJehova Mŋari wako; usatoŋgoɓata maɓasa naro, iwe, kana mŋanakomana wako, kana mŋanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana ɀipfuwo ɀako, kana mŋeni wako uri mukati mamasuʋo ako;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
asi zuva rechinomwe iSabata kuna Jehovha Mwari wako. Pazuva iroro hamufaniri kuita basa ripi zvaro, iwe kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, murandarume wako kana murandakadzi wako, uye zvipfuwo zvako kana mutorwa ari mukati mamasuo ako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asi zuva rechinomwe iSabata raTenzi, Mwari wako. Pazuva iroro usaite kana basa zvaro, iwe kana mwana wako mukomana kana musikana, kunyange munhu anokushandira murume kana mukadzi, kana chipfuwo chako, kunyange muuyi agere nemi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi zuva rechinomwe iSabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako ari mukati mamasuo ako,
Shona 2009?
asi zuva rechinomwe iSabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako ari mukati mamasuo ako,
Shona SUB 2002 Bible
asi zuva rechinomwe iSabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako ari mukati mamasuwo ako,