Exodus 21:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana nzombe yaisituŋga kare, muridzi wayo akaʋudzwa iɀoɀo, akasaiceŋgeta, ikaʋuraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabge, naiye muridzi wayo unofanira kuʋurawa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro hazvo, kana hando yanga ine tsika yokutunga uye muridzi wayo akamboyambirwa hake asi akasaipfigira mudanga uye ikauraya murume kana mukadzi, hando iyo inofanira kutakwa namabwe uyewo muridzi wayo anofanira kuurayiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana mombe yacho yaiva nomusambo wokutunga vanhu, muridzi wayo akamboyambirwa akarega kuichengeta, kana ikazouraya munhu, murume kana mukadzi, mombe iyoyo ngaitemwe namabwe ife. Muridzi wayo ngaaurayiwewo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana nzombe yaisitunga kare, muridzi wayo akaudzwa izvozvo, akasaichengeta, ikauraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabwe, naiye muridzi wayo anofanira kuurawa.
Shona 2009?
Asi kana nzombe yaisitunga kare, muridzi wayo akaudzwa izvozvo, akasaichengeta, ikauraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabwe, naiye muridzi wayo anofanira kuurawa.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana nzombe yaisitunga kare, muridzi wayo akaudzwa izvozvo, akasaichengeta, ikauraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabwe, naiye muridzi wayo anofanira kuurayiwa.