Exodus 21:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana nzombe ikatuŋga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo unofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirveri anamakumi matatu, ʋuye nzombe iyo inofanira kutakwa namabge.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana hando ikatunga murandarume kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripa mashekeri esirivha makumi matatua kuna tenzi womuranda, uye hando inofanira kutakwa namabwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mombe ikatunga muranda wechirume kana wechikadzi, muridzi wayo ngaaripe tenzi womuranda iyeyo mari yamashekeri esirivha makumi matatu. Mombe yacho ngaitemwe namabwe ife.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana nzombe ikatunga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirivha ana makumi matatu, uye nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe.
Shona 2009?
Kana nzombe ikatunga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirivha ana makumi matatu, uye nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe.
Shona SUB 2002 Bible
Kana nzombe ikatunga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirivha ana makumi matatu, uye nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe.