Exodus 21:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuɓerekera ʋanakomana naʋanasikana, mukadzi naʋana ʋake ʋanofanira kuʋa ʋatenzi wake, asi iye unofanira kuɓuɗa ari oga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana tenzi wake akamupa mukadzi uye akamuberekera vanakomana kana vanasikana, mukadzi navana vake vachava vatenzi wake, uye murume chete ndiye achasunungurwa kuti aende hake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana tenzi wake akamupa mukadzi, mukadzi iyeyo akabereka vana vakomana navanasikana, mukadzi iyeyo navana vake vanofanira kupiwa kuna vatenzi vomudzimai iyeyo, murume uya oenda zvake ari oga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuberekera vanakomana navanasikana, mukadzi navana vake vanofanira kuva vatenzi wake, asi iye anofanira kubuda ari oga.
Shona 2009?
Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuberekera vanakomana navanasikana, mukadzi navana vake vanofanira kuva vatenzi wake, asi iye anofanira kubuda ari oga.
Shona SUB 2002 Bible
Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuberekera vanakomana navanasikana, mukadzi navana vake vanofanira kuva vatenzi wake, asi iye anofanira kubuda ari oga.