Exodus 21:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino tenzi wake unofanira kumuisa kunaMŋari, ndokumuisa kumukoʋa, kana kugwatidziro romukoʋa; ipapo tenzi wake unofanira kumuʋurura nzeʋe yake norunji; ɀino unofanira kumuɓatira nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo tenzi wake anofanira kuenda naye pamberi pavatongi. Achaenda naye pamukova kana pagwatidziro romukova agomubvoora nzeve yake norunji. Ipapo achava muranda wake kwoupenyu hwake hwose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
pakadaro, tenzi wake ngaauye naye kuna Mwari, amumise negwatidziro romusuo, atore mutsunda amuboore nzeve yake, achava muranda watenzi wake upenyu hwake hwose.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino tenzi wake anofanira kumuisa kuna Mwari, nokumuisa kumukova, kana kugwatidziro romukova; ipapo tenzi wake anofanira kumuurura nzeve yake norunji; zvino anofanira kumubatira nokusingaperi.
Shona 2009?
zvino tenzi wake anofanira kumuisa kuna Mwari, nokumuisa kumukova, kana kugwatidziro romukova; ipapo tenzi wake anofanira kumuurura nzeve yake norunji; zvino anofanira kumubatira nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
zvino tenzi wake anofanira kumuisa kuna Mwari, nokumuisa kumukova, kana kugwatidziro romukova; ipapo tenzi wake anofanira kumuurura nzeve yake norunji; zvino anofanira kumubatira nokusingaperi.