Exodus 21:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana asiŋgafadzi tenzi wake, wakafuŋga kumuwana amene, unofanira kutendera kuti adzikinurwe; haaŋgaʋi nesimba rokumuteŋgesa kuʋatorwa, nokuti wamunyeŋgedzera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana asingafadzi tenzi akamusarudza kuti ave wake, anofanira kumurega kuti adzikinurwe. Haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa, nokuti aputsa chitenderano naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana murume iyeyu akamutengera kuroora asisamudi, ngaamurege achidzikinurwa pamusana pokuti haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa nokuti haana kuvimbika kwaari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana asingafadzi tenzi wake, akafunga kumuwana amene, anofanira kutendera kuti adzikinurwe; haangavi nesimba rokumutengesa kuvatorwa, nokuti amunyengedzera.
Shona 2009?
Kana asingafadzi tenzi wake, akafunga kumuwana amene, anofanira kutendera kuti adzikunurwe, haangavi nesimba rokumutengesa kuvatorwa, nokuti amunyengedzera.
Shona SUB 2002 Bible
Kana asingafadzi tenzi wake, akafunga kumuwana amene, anofanira kutendera kuti adzikinurwe; haangavi nesimba rokumutengesa kuvatorwa, nokuti amunyengedzera.