Exodus 22:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu aciŋge anyeŋgedzera musikana usina‐kunyeŋgwa, akaʋata naye, ɀirokwaɀo unofanira kumuroʋora, aʋe mukadzi wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana murume akanyengera musikana anenge ari mhandara asina kutsidzira kuti awanikwe uye akavata naye, iye anofanira kubvisa roora, uye achava mukadzi wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana murume akanyengetedza mhandara inenge isati yatumirwa mari yokuroora, akatadza naye, ngaabvise pfuma yose yokumuroora ave mukadzi wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana munhu achinge anyengedzera musikana asina kunyengwa, akavata naye, zvirokwazvo anofanira kumuroora, ave mukadzi wake.
Shona 2009?
Kana munhu achinge anyengedzera musikana asina kunyengwa, akavata naye, zvirokwazvo anofanira kumuroora, ave mukadzi wake.
Shona SUB 2002 Bible
Kana munhu achinge anyengedzera musikana asina kupfimbwa, akavata naye, zvirokwazvo anofanira kumuroora, ave mukadzi wake.