Exodus 22:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mbava ikaɓatwa icipaza, ikarobga, ikafa, wamuʋuraya haaŋgaʋi nemhoȿa paropa rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana mbavha ikabatwa ichipaza uye ikarohwa ikafa, nyakudzivirira haana mhosva yokuteura ropa;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mbavha ikabatwa ichipaza, ikarohwa ikafa, munhu anenge aiuraya haapiwe mhosva yokuponda munhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana mbavha ikabatwa ichipaza, ikarohwa, ikafa, wamuuraya haangavi nemhosva paropa rake.
Shona 2009?
Kana mbavha ikabatwa ichipaza, ikarohwa, ikafa, wamuuraya haangavi nemhosva paropa rake.
Shona SUB 2002 Bible
Kana mbavha ikabatwa ichipaza, ikarohwa, ikafa, wamuuraya haangavi nemhosva paropa rake.