Exodus 23:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋuye mutambo wokuceka, weɀitȿa ɀamaɓasa ako, ɀawakadɀara mumunda mako; ʋuye mutambo wokuʋuŋganidza pakupera kwegore, kana woʋuŋganidza ɀamaɓasa ako pamunda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mupemberere Mutambo woKukohwa nezvibereko zvokutanga zvezvirimwa zvamakadyara muminda yenyu. “Mupemberere Mutambo woKuunganidza pakupera kwegore, pamunounganidza zvirimwa zvenyu kubva mumunda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Uyewo munochengeta zuva rokupemberera kukohwa muchipemberera zvirimwa zvokutanga kukohwa zvebasa ramunenge maita muminda yenyu. “Pakupera kwegore, chengetai zuva rokupemberera kuunganidza mbesa, pamunenge maunganidza mbesa dzenyu nezvamaikohwa muminda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uye mutambo wokukohwa, wezvitsva zvamabasa ako, zvawakadyara mumunda mako; uye mutambo wokuunganidza pakupera kwegore, kana wounganidza zvamabasa ako pamunda.
Shona 2009?
uye mutambo wokukohwa, wezvitsva zvamabasa ako, zvawakadzvara mumunda mako; uye mutambo wokuunganidza pakupera kwegore, kana wounganidza zvamabasa ako pamunda.
Shona SUB 2002 Bible
uye mutambo wokukohwa, wezvitsva zvamabasa ako, zvawakadyara mumunda mako; uye mutambo wokuunganidza pakupera kwegore, kana wounganidza zvamabasa ako pamunda.