Exodus 23:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀokutaŋga ɀeɀitȿa ɀomunda wako unofanira kuʋuya naɀo kumba kwaJehova Mŋari wako. Usaɓika mbudzana mumukaka wamai ʋayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Muuye nezvakanakisisa zvezvibereko zvokutanga zvevhu renyu kuimba yaJehovha Mwari wenyu. “Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mbesanwa dzinotanga kuibva dzokutangatanga dzacho, uya nadzo kuimba yaTenzi, Mwari wako. Usabike hwayana kana mbudzana nomukaka wamai vayo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
Shona 2009?
Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.