Exodus 23:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mumunzwei, muterere inzwi rake, musamutsamŋisa, nokuti haaŋgakukaŋganwiriyi kuɗarika kwenyu, nokuti zita raŋgu riri maari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murerekere nzeve dzenyu kwaari mugoteerera zvaanoreva. Musamumukira; iye haangazoregereri kumukira kwenyu, sezvo Zita rangu riri maari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muteererei muite zvaanoreva, regai kumupandukira, haazokuregererai zvamunenge makanganisa nokuti ndini ndamutuma muzita rangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munzwei, muteerere izwi rake, musamutsamwisa, nokuti haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu, nokuti zita rangu riri maari.
Shona 2009?
Munzwei, muteerere inzwi rake, musamutsamwisa, nokuti haangakukangamwiriyi kudarika kwenyu, nokuti zita rangu riri maari.
Shona SUB 2002 Bible
Munzwei, muteerere izwi rake, musamutsamwisa, nokuti haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu, nokuti zita rangu riri maari.