Exodus 24:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Kwira kwandiri muno mugomo, ugare’po; ndicakupa mahwendefa amabge anomurairo nomurau wandanyora, kuti uʋadzidzise.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira kuno kwandiri pamusoro pegomo uye ugare pano, uye ndichakupa mahwendefa amabwe, ane mirayiro nemitemo zvandanyora kuti varayirwe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati kuna Mosesi, “Kwira mugomo muno mandiri umbogaramo, ndizokupa mafendefa maviri amabwe ane mitemo nemirao yandakanyorera kudzidzisa vaIsiraeri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mahwendefa amabwe anomurayiro nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise.”
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mabwendefa amabwe anomurayiro nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mahwendefa amabwe ane murairo nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise.”