Exodus 24:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akanyora mashoko ose aJehova, akamuka maŋgwanani, akandoʋaka artari pasi pegomo, akamisa shoŋgwe dzinegumi nembiri, ɀakafanana namarudzi anegumi namaʋiri aʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akanyora zvinhu zvose zvakanga zvarehwa naJehovha. Akamuka mangwana acho mangwanani akavaka aritari mujinga megomo uye akamisa mbiru dzamabwe gumi nembiri dzichimirira marudzi gumi namaviri avaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akanyora mashoko ose aTenzi. Kuzoti kwaedza akafumomuka ndokuvaka atari mujinga megomo. Akamisa mabwe gumi namaviri anomirira madzinza evaIsiraeri gumi namaviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akanyora mashoko ose aJehovha, akamuka mangwanani, akandovaka atari pasi pegomo, akamisa shongwe dzine gumi nembiri, zvakafanana namarudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.
Shona 2009?
Mozisi akanyora mashoko ose aJehovha, akamuka mangwanani, akandovaka aritari pasi pegomo, akamisa shongwe dzine gumi nembiri, zvakafanana namarudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akanyora mashoko ose aJehovha, akamuka mangwanani, akandovaka atari pasi pegomo, akamisa shongwe dzine gumi nembiri, zvakafanana namarudzi ane gumi namaviri aVaIsiraeri.