Exodus 25:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndi’po pandicasoŋgana newe, nditaure newe, ndiri pamsoro pecifunhiro cokuyananisa, ndiri pakati pamakerubi maʋiri ari pamsoro peareka yecipupuriro, ndikuʋudze ɀose ɀandicakupa, kuti uraire ʋanhu ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo, pamusoro pechifunhiro chiri pakati pamakerubhi maviri ari pamusoro peareka yeChipupuriro, ndichasangana newe ndigokupa mirayiro yangu yose yavaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo ndipo pandichauya kuzosangana newe. Ndichataura newe ndiri pakati pamakerubhu maviri anenge ari pahwidibiro yebhokisi rechitenderano, ndichikuudza zvandinoda kuti vaIsiraeri vaite.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndipo pandichasangana newe, nditaure newe, ndiri pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, pamusoro peareka yechipupuriro, ndikuudze zvose zvandichakupa, kuti uraire vanhu vaIsiraeri.
Shona 2009?
Ndipo pandichasangana newe, nditaure newe, ndiri pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, pamusoro peareka yechipupuriro, ndikuudze zvose zvandichakupa, kuti uraire vanhu valsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Ndipo pandichasangana newe, nditaure newe, ndiri pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, pamusoro peareka yechipupuriro, ndikuudze zvose zvandichakupa, kuti uraire vanhu VaIsiraeri.